Proverbs 21

1Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha;
anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.
2Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari,
asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.

3Kuita zvakarurama nokururamisira
zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

4Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza,
mwenje woakaipa, ndizvo chivi!

5Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji,
sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.

6Pfuma yakaunganidzwa norurimi
runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.

7Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure,
nokuti vanoramba kuita zvakarurama.

8Nzira yeane mhosva yakaminama,
asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.

9Zviri nani kugara pakona yedenga remba,
pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

10Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa;
muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.

11Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri;
kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.

12Iye Akarurama anocherechedza imba yeakaipa,
uye anoisa akaipa kukuparadzwa.

13Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo,
naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha,
uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama,
asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16Munhu anorasika panzira yokunzwisisa
achandozororera muungano yavakafa.

17Uyo anofarira mafaro achava murombo;
ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18Akaipa achava dzikinuro yavakarurama,
uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

19Zviri nani kugara mugwenga,
pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.

20Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta,
asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.

21Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu,
nokubudirira norukudzo.

22Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba
agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.

23Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake
anozvidzivirira kubva panjodzi.

24Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Mudadi” ndiro zita rake;
anoita zvinhu namanyawi uye nokuzvikudza.

25Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake,
nokuti maoko ake anoramba kushanda.

26Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe,
asi akarurama anopa asinganyimi.

27Chibayiro chowakaipa chinonyangadza,
zvikuru sei kana akauya nacho nomufungo wakaipa!

28Chapupu chenhema chichaparara,
uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.

29Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,
asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.

30Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa
hungabudirira huchipikisana naJehovha.

31Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa,
asi kukunda kunobva kuna Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC